Chitsauko 51
MaJaredhi anoenda kuNyika yeChipikirwa.
Mukoma waJaredhi akatendeuka uye akanamata. Ishe vakaregerera mukoma waJaredhi, asi vakati haafanire kutadza zvakare.
Ishe vakataurira mukoma waJaredhi kuti avake zvikepe kuti atore vanhu vake aende navo kunyika yechipikirwa.
Ishe vakataurira mukoma waJaredhi mavakirwo ezvikepe.
Zvikepe zvacho zvakagadzirwa nekunamwa zvakasimba zvokuti hapana mvura yaizokwanisa kupinda mukati.
Mukoma waJaredhi akashushikana nekuti vanhu vaizowana sei mweya wekufema muzvikepe zvavo. Akavhunza Ishe kuti aifanira kuita sei
Ishe vakamutaurira kuti agadzire buri pamusoro nepasi pechikepe choga choga. Buri iroro raikwanisa kuvhurwa kuti mhepo ipinde uye kuvharwa kuti mvura isapinde.
Mukoma waJaredhi akataurira Ishe kuti zvikepe zvacho zv aive nerima mukati. Ishe vakamuudza kuti afunge nzira yekuva nechiedza mukati mezvikepe .
Chiedza chemuzvikepe zvacho chaisakwanisa kubva kumoto kana mafasitera nokuti aizopwanyika.
Mukoma waJaredhi akaenda mugomo uye akagadzira mabwe madiki gumi nematanhatu kubva mudombo. Mabwe acho aitaridzika segirazi rakajeka. Akagadzira mabwe maviri erimwe nerimwe rezvikepe zvinomwe izvi.
Mukoma waJaredhi akatakura mabwe kuenda pamusoro pegomo. Ipapo akanamata kuna Ishe.
Mukoma waJaredhi akakumbira Ishe kuti vabate mabwe kuitira kuti azopa chiedza mukati mezvikepe.
Ishe vakabata ibwe rimwe nerimwe nemunwe wavo
Nokuti mukoma waJaredhi aive nerutendo rukuru, akaona munwe waIshe. Wairatidzika semunwe wemunhu.
Zvino Ishe vakazviratidza kumukoma waJaredhi.
Jesu akati avo vanhu vose vanotenda maari vanozova nehupenyu husingaperi.
Jesu akadzidzisa nekuratidza mukoma waJaredhi zvinhu zvakawanda. Jesu akamutaurira kuti anyore zvaakanga aona nekunzwa.
Mukoma waJaredhi akatakura mabwe ndokudzika nawo mugomo. Akaisa ibwe rimwechete kumagumo kwechikepe chimwe nechimwe. Mabwe akapa chiedza mukati zvikepe .
MaJaredhi akapinda muzvikepe nezvipfuyo nezvokudya zvavo. Ishe vakaita kuti mhepo inesimba guru ifambise zvikepe zvakananga kunyika yechipikirwa.
Ishe vakavadzivirira mugungwa raive nemasaisai ane ukasha. Vakatenda Ishe uye vakaimba rumbidzo kwavari.
Mushure memazuva mazana matatu nemakumi mana nemana vari mumvura, zvikepe zvakasvika kumahombekombe enyika yechipikirwa.
Apo MaJaredhi paakabuda muzvikepe vakapfugama vakachema misodzi yemufaro.
MaJaredhi vakavaka dzimba nekudyara zvirimwa munyika yechipikirwa. Vakadzidzisa vana vavo kuteerera kuna Ishe uye kuteerera kumanzwi ake.