Nyaya dzemuMagwaro Matsvene
Chitsauko 6: Chiroto chaRihai


Chitsauko 6

Chiroto chaRihai

Mufananidzo
Rihai nemhuri

Rihai akataurira mhuri yake nezve chiratidzo chinokosha chaakavanacho muchiroto. Chiroto chaRihai chakamuita kuti afare pamusoro paNifai naSemu asi akasuwa pamusoro paRamani naRemueri.

Mufananidzo
Rihai nengirozi

Muchiroto chake Rihai akaona murume akanga akapfeka nguwo chena uyo akataurira Rihai kuti amutevere. Rihai akatevera murume uyu kuenda murenje rine rima uye risina chinhu chipenyu.

Mufananidzo
Nifai achinamata

Mushure mekufamba murima kwemaawa mazhinji, Rihai akanamatira rubatsiro.

Mufananidzo
muti

Zvino akaona muti waive nemuchero muchena. Muchero waitapira uyu waiita kuti avo vaiudya vafare.

Mufananidzo
Rihai achidya muchero

Rihai akadya muchero, uye ukamuzadza nerufaro. Aida kuti mhuri yake iravire muchero uyu nokuti aiziva kuti waizovaita kuti vafarewo.

Mufananidzo
Saria, Semu, naNifai vachifamba vakananga kuna Rihai

Rihai akaona rwizi rwaiyerera pedyo nemuti wacho. Kumusoro kwerwizi urwu akaona Saria, Semu, naNifai.

Mufananidzo
mhuri ichifamba yakananga kumuti

Rihai akadaidzira kumudzimai nevanakomana vake kuti vauye vazoravira muchero. Saria, Semu, naNifai vakaenda uye vakaravira muchero, asi Ramani naRemueri vakaramba.

Mufananidzo
danda raienda kumuti

Rihai akaonawo danda resimbi nenzira yakatwasuka uye yakamanikana zvaienda kumuti.

Mufananidzo
vanhu vakabata danda

Akaona vanhu vazhinji vachifamba panzira kana kuti vakananga kunzira. Nokuda kwemhute yerima, vamwe vakatetereka vachisiya nzira uye vakarasika.

Mufananidzo
vanhu vakabata danda

Vamwe vakabatirira zvakasimba kudanda resimbi vakakwanisa kufamba nemurima kusvika kumuti. Vakaravira muchero

Mufananidzo
vanhu vachidya muchero

Vanhu vaive muchivako chikuru kumhiri kwerwizi vaiseka avo vaidya muchero. Vamwe vakanga vadya muchero vakanyara uye vakabva pamuti.

Mufananidzo
chivako chakapamhama

Rihai akaona vanhu vazhinji muchiroto chake. Vamwe vakanga vakabatirira zvakasimba kudanda resimbi uye vakafamba nemurima kusvika kumuti. Vakaravira muchero Vamwe vakaenda kuchivako chikuru kana kuti vakanyura murwizi kana kuti vakarasika. Ramani naRemueri vakaramba kudya muchero. Rihai akanetseka pamusoro pavo uye akaedza kuvabatsira kuti vateerere mirairo yaMwari.

Dhinda